Ezekiel 23:39 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ʋakati ʋaɓayira ɀifananidzo ɀaʋo ʋana ʋaʋo, ʋakapinda nezuʋa iro munɀimbo yaŋgu tȿene kuti ʋaimhure; tarirai, ndiɀo ɀaʋakaita mukati meimba yaŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pazuva ravakabayira vana vavo, kuzvifananidzo zvavo, vakapinda munzvimbo yangu tsvene vakaisvibisa. Ndizvo zvavakaita mumba mangu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti pavakauraya vana vavo vachivaita chibayiro kuzvifananidzo zvavo zvokunamata pazuva rimwechetero vakauya kuNzvimbo yangu Inoera kuzoin'oresa. Hezvo, zvavakaita mumba mangu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Nokuti vakati vabayira zvifananidzo zvavo vana vavo, vakapinda nezuva iro munzvimbo yangu tsvene kuti vaimhure; tarirai, ndizvo zvavakaita mukati meimba yangu.
Shona 2009?
"Nokuti vakati vabayira zvifananidzo zvavo vana vavo, vakapinda nezuva iro munzvimbo yangu tsvene kuti vaimhure; tarirai, ndizvo zvavakaita mukati meimba yangu.
Shona SUB 2002 Bible
“Nokuti vakati vabayira zvifananidzo zvavo vana vavo, vakapinda nezuva iro munzvimbo yangu tsvene kuti vaimhure; tarirai, ndizvo zvavakaita mukati meimba yangu.