Ezekiel 23:45 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ʋarume ʋakarurama ʋacaʋatoŋga seɀinotoŋgwa ɀifeʋe, seɀinotoŋgwa ʋakadzi ʋakateʋura ropa, nokuti ɀifeʋe, ropa riri pamaʋoko aʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi vanhu vakarurama vachavatonga nechirango chinopiwa vakadzi vanoita ufeve nokuteura ropa, nokuti ivo zvifeve uye ropa riri pamaoko avo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanhu vakarurama vachavatongera mhosva youpfambi uye nemhosva yavakadzi vanodeura ropa nokuti zvifeve uye vane ropa mumaoko mavo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo varume vakarurama vachavatonga sezvinotongwa zvipfeve, sezvinotongwa vakadzi vakateura ropa, nokuti zvipfeve, ropa riri pamaoko avo.”
Shona 2009?
Naizvozvo varume vakarurama vachavatonga sezvinotongwa zvifeve, sezvinotongwa vakadzi vakateura ropa, nokuti zvifeve, ropa riri pamaoko avo."
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo varume vakarurama vachavatonga sezvinotongwa zvipfeve, sezvinotongwa vakadzi vakateura ropa, nokuti zvipfeve, ropa riri pamaoko avo.”