Ezekiel 24:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino urigadze pamazimbe awo risineciro, ripise, ndarira yaro itȿuke, matȿina aro anyauke mukati maro, kuti ŋgura yaro ipere.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo ugoisa hadyana isina chinhu pamazimbe kusvikira yapisa ndarira yayo yan'aima kuti kusachena kwayo kunyauke uye tsvina yayo itsve yose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Gadzai poto yacho pamazimbe omoto isina chinhu mukati kuitira kuti ipise, mhangura yayo itsvuke kuitira kuti tsvina yayo yainayo inyongodeke; ngura yayo iroromeswe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino urigadze pamazimbe awo risina chiro, ripise, ndarira yaro itsvuke, matsvina aro anyauke mukati maro, kuti ngura yaro ipere.
Shona 2009?
Zvino urigadze pamazimbe awo risina chiro, ripise, ndarira yaro itsvuke, matsvina aro anyauke mukati maro, kuti ngura yaro ipere.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino urigadze pamazimbe awo risina chiro, ripise, ndarira yaro itsvuke, matsvina aro anyauke mukati maro, kuti ngura yaro ipere.