Ezekiel 24:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ini Jehova ndakaɀitaura, ɀicaitika, ini ndicaɀiita, handiŋgadzoki, handiŋgapembedzi, kana kuɀiɗemba; ʋacakutoŋga seɀakafanira nzira dzako, seɀakafanira ɀawakaita — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Ini Jehovha ndakazvitaura. Nguva yangu yokuzviita yasvika. Handingaregi; handiganzwiri ngoni, uye handingazvidembi. Uchatongwa zvakafanira mabasa ako namafambiro ako, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndini Tenzi ndataura! Zvichatoitika ndichazviita! Handisi kuzodzokera shure! Handisi kuzonzwira tsitsi! Handisi kuzodzora mwoyo. Uchatongwa zvinofambiranawo nokuita kwako uye nezviito zvako.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ini Jehovha ndakazvitaura, zvichaitika, ini ndichazviita, handingadzoki, handingapembedzi, kana kuzvidemba; vachakutonga sezvakafanira nzira dzako, sezvakafanira zvawakaita,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Shona 2009?
Ini Jehovha ndakazvitaura, zvichaitika, ini ndichazviita, handingadzoki, handingapembedzi, kana kuzvidemba; vachakutonga sezvakafanira nzira dzako, sezvakafanira zvawakaita," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Ini Jehovha ndakazvitaura, zvichaitika, ini ndichazviita, handingadzoki, handingapembedzi, kana kuzvidemba; vachakutonga sezvakafanira nzira dzako, sezvakafanira zvawakaita,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.