Ezekiel 24:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mŋanakomana womunhu, tarira, ndinokutorera pakarepo norufu unoɗikanwa nameso ako, asi haufaniri kucema kana kuwuŋgudza, nemisodzi yako haifaniri kuyerera.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Mwanakomana womunhu, ndava kuzokutorera uyo anofadza meso ako kamwe chete. Asi usaungudza kana kuchema kana kubudisa misodzi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Iwe mwanakomana womunhu, chinzwaka, ini ndava kukutorera iye paswerameso wako chaiye kamwe kamwe nedenda. Asi iwewe haufaniri kuungudza kana kuhwihwidza kunyange kusvimha misodzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Mwanakomana womunhu, tarira, ndinokutorera pakarepo norufu unodikanwa nameso ako, asi haufaniri kuchema kana kuungudza, nemisodzi yako haifaniri kuyerera.
Shona 2009?
"Mwanakomana womunhu, tarira, ndinokutorera pakarepo norufu unodikamwa nameso ako, asi haufaniri kuchema kana kuungudza, nemisodzi yako haifaniri kuyerera.
Shona SUB 2002 Bible
“Mwanakomana womunhu, tarira, ndinokutorera pakarepo norufu unodikanwa nameso ako, asi haufaniri kuchema kana kuungudza, nemisodzi yako haifaniri kuyerera.