Ezekiel 24:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Taura neimba yaIsraeri, uti: Ɀanzi naShe Jehova: Tarirai, ndicamhura nɀimbo yaŋgu tȿene, yamunoɀikudza nayo muciti isimba renyu, inoɗikanwa nameso enyu, inonzwirwa tsitsi nemŋeya yenyu; ʋanakomana ʋenyu naʋanasikana ʋenyu ʋamakasiya, ʋacaʋurawa nomunondo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uti kuimba yaIsraeri, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ndava pedyo nokusvibisa nzvimbo yangu tsvene, iyo nhare yamunozvirumbidza nayo, iwo mufaro wamaziso enyu, nechinhu chamunoda. Vanakomana navanasikana vamakasiya vachaurayiwa nomunondo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Izwi raTenzi rakauya kwandiri rikati iti kumba yaIsiraeri zvanzi naTenzi Mwari, chinzwai, ndichan'oresa Nzvimbo yangu Inoera, iyo yacho yamunoinzva nayo, iyo paswerameso yenyu iyoyo, pane mwoyo wenyu chaipo. Vanakomana navanasikana venyu vamakasiya vachafa nebakatwa rehondo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
‘Taura neimba yaIsiraeri,’ uti zvanzi naIshe Jehovha ‘Tarirai, ndichamhura nzvimbo yangu tsvene, yamunozvikudza nayo muchiti isimba renyu, inodikanwa nameso enyu, inonzwira tsitsi nemweya yenyu; vanakomana venyu navanasikana venyu vamakasiya, vachaurawa nomunondo.’
Shona 2009?
‘Taura neimba yaIsiraeri,' uti zvanzi naIshe Jehovha `Tarirai, ndichamhura imba yangu tsvene, yamunozvikudza nayo muchiti isimba renyu, inodikamwa nameso enyu, inonzwirwa tsitsi nemweya yenyu; vanakomana venyu navanasikana venyu vamakasiya, vachaurawa nomunondo.'
Shona SUB 2002 Bible
‘Taura neimba yaIsiraeri,’ uti zvanzi naIshe Jehovha ‘Tarirai, ndichamhura nzvimbo yangu tsvene, yamunozvikudza nayo muchiti isimba renyu, inodikanwa nameso enyu, inonzwira tsitsi nemweya yenyu; vanakomana venyu navanasikana venyu vamakasiya, vachaurayiwa nomunondo.’