Ezekiel 24:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ropa raro riri mukati maro, rakariisa paruware rusinecinhu, harina‐kuriɗururira pasi, kuti ririfukidze neguruʋa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Nokuti ropa rarakateura riri pakati paro: Rakaridururira paruware pasina chinhu; harina kuriteurira pavhu, paringafukidzwa neguruva.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti ropa raro rakadeurwa richiri mukati maro. Rakariisa paruware pachena zvapo. Harina kudira ropa iroro pasi kuitira kuti rifushirwe zvaro nevhu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti ropa raro riri mukati maro, rakariisa paruware rusine chinhu, harina kuridururira pasi, kuti ririfukidze neguruva.
Shona 2009?
Nokuti ropa raro riri mukati maro, rakariisa paruware rusine chinhu, harina kuridururira pasi, kuti ririfukidze neguruva.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti ropa raro riri mukati maro, rakariisa paruware rusine chinhu, harina kuridururira pasi, kuti ririfukidze neguruva.