Ezekiel 25:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
naiɀoɀo ɀanzi naShe Jehova: Ndicatambanudzira ruʋoko rwaŋgu pamsoro paEdomi, ndicaparadza’po ʋanhu neɀipfuwo, ndicaiita ɗoŋgo kubva paTemani, ʋacaʋurawa nomunondo kuȿikira paDedani.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndichatambanudza ruoko rwangu pamusoro peEdhomu ndigouraya vanhu vose varo nezvipfuwo zvavo. Ndichariparadza uye kubva kuTemani kusvika kuDhedhani vachaurayiwa nomunondo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari ndichasimudzira Edhomu shamhu muruoko rwangu ndichitsakatisa mairi munhu pamwechete nemhuka. Ndichaita kuti isare yava renje zvaro kubvira kwaTemani kusvikirawo kuDhedhani, vachafa nebakatwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, ‘Ndichatambanudzira ruoko rwangu pamusoro paEdhomu, ndichaparadzapo vanhu nezvipfuwo, ndichaiita dongo kubva paTemani, vachaurawa nomunondo kusvikira paDhedhani.’
Shona 2009?
naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, `Ndichatambanudzira ruoko rwangu pamusoro paEdhomu, ndichaparadzapo vanhu nezvipfuwo, ndichaiita dongo kubva paTemani, vachaurawa nomunondo kusvikira paDhedhani.'
Shona SUB 2002 Bible
naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, ‘Ndichatambanudzira ruoko rwangu pamusoro paEdhomu, ndichaparadzapo vanhu nezvipfuwo, ndichaiita dongo kubva paTemani, vachaurayiwa nomunondo kusvikira paDhedhani.’