Ezekiel 25:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
uti kuʋana ʋaAmoni: Inzwai shoko raShe Jehova: Ɀanzi naShe Jehova: Imi ɀamakati Toko! pamsoro penɀimbo yaŋgu tȿene, paŋguʋa yokumhurwa kwayo, napamsoro penyika yaIsraeri paŋguʋa yokuitwa kwayo ɗoŋgo, napamsoro peimba yaJuda, paŋguʋa yokutapxa kwaʋo;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uti kwavari, ‘Inzwai shoko raIshe Jehovha. Zvanzi naIshe Jehovha: Nokuda kwokuti imi makati, “Toko waro!” pamusoro penzvimbo yangu tsvene panguva yayakasvibiswa napamusoro penyika yeIsraeri payakaparadzwa, napamusoro pavanhu veJudha pavakaenda kuutapwa,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iti kuvaAmoni, inzwai shoko raTenzi Mwari. Zvanzi naTenzi Mwari imi zvamakati tsvatu waro kuNzvimbo yangu Inoera payakan'oreswa uye kunyika yeIsiraeri payakaitwa renje zvaro uye nokumba yokwaJudha payakaenda kuutapwa
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
uti kuvana vaAmoni, ‘Inzwai shoko raIshe Jehovha,’ zvanzi naIshe Jehovha, imi zvamakati, ‘Toko!’ Pamusoro penzvimbo yangu tsvene, panguva yokumhurwa kwayo, napamusoro penyika yaIsiraeri panguva yokuitwa kwayo dongo, napamusoro peimba yaJudha, panguva yokutapwa kwavo;
Shona 2009?
Uti kuvana vaAmoni, "Inzwai shoko raIshe Jehovha,' zvanzi naIshe Jehovha, imwi zvamakati, `Toko!' Pamusoro penzvimbo yangu tsvene, panguva yokumhurwa kwayo, napamusoro penyika yaIsiraeri panguva yokuitwa kwayo dongo, napamusoro peimba yaJudha, panguva yokutapwa kwavo;
Shona SUB 2002 Bible
uti kuvana vaAmoni, ‘Inzwai shoko raIshe Jehovha,’ zvanzi naIshe Jehovha, imi zvamakati, ‘Toko!’ Pamusoro penzvimbo yangu tsvene, panguva yokumhurwa kwayo, napamusoro penyika yaIsiraeri panguva yokuitwa kwayo dongo, napamusoro peimba yaJudha, panguva yokutapwa kwavo;