Ezekiel 25:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
naiɀoɀo tarirai, ndicakuisai kuʋana ʋamabvazuʋa muʋe ʋaʋo, ʋacaisa misasa yaʋo pakati penyu, ʋacaʋaka dzimba dzaʋo pakati penyu; ʋacadya micero yenyu, nokunwa mukaka wenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
naizvozvo ndichakuisai kuvanhu vokuMabvazuva kuti muve vavo. Vachadzika misasa yavo nokumisa matende avo pakati penyu; vachadya michero yenyu nokunwa mukaka wenyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
naizvozvo ndava kukuisai mumaoko mavanhu vokumabvazuva kuti muve vanhu vavo. Vachaita mataga avo pakati penyu vachitoita misha yavo pakati penyu. Vachadya muchero wenyu vachinwa mukaka wenyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
naizvozvo tarirai, ndichakuisai kuvana vamabvazuva muve vavo, vachaisa misasa yavo pakati penyu, vachavaka dzimba dzavo pakati penyu; vachadya michero yenyu, nokunwa mukaka wenyu.
Shona 2009?
naizvozvo tarirai, ndichakuisai kuvana vamabvazuva muve vavo, vachaisa misasa yavo pakati penyu, vachavaka dzimba dzavo pakati penyu; vachadya michero yenyu, nokumwa mukaka wenyu.
Shona SUB 2002 Bible
naizvozvo tarirai, ndichakuisai kuvana vamabvazuva muve vavo, vachaisa misasa yavo pakati penyu, vachavaka dzimba dzavo pakati penyu; vachadya michero yenyu, nokunwa mukaka wenyu.