Ezekiel 25:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ɀino tarirai, ndakatambanudzira ruʋoko rwaŋgu pamsoro penyu, ndicakuisai kumarudzi muʋe secinhu cakapambga; ndicakubvisai pakati pamarudzi, ndicakupedzai panyika dzose; ndicakuparadzai, ɀino mucaziʋa kuti ndini Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
naizvozvo ndichatambanudza ruoko rwangu pamusoro penyu ndigokupai kuti mupambwe nendudzi. Ndichakubvisai chose kubva kundudzi nokukupedzai munyika dzose. Ndichakuparadzai; uye muchaziva kuti ndini Jehovha.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
naizvozvo chinzwai, ini ndakusumudziraiwo shamu muruoko rwangu. Ndichakuisai mumaoko edzimwe ndudzi sezvinhu zvakapambwa. Ndichakutsakatisai pakati pamarudzi ndichiita kuti murove mudzinyika. Ndichakuparadzai; ndipo pamuchaziva kuti ndini Tenzi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
zvino tarirai, ndakatambanudzira ruoko rwangu pamusoro penyu, ndichakuisai kumarudzi muve sechinhu chakapambwa; ndichakubvisai pakati pamarudzi, ndichakupedzai panyika dzose; ndichakuparadzai, zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.’ ”
Shona 2009?
zvino tarirai, ndakatambanudzira ruoko rwangu pamusoro penyu, ndichakuisai kumarudzi muve sechinhu chakapambwa; ndichakubvisai pakati pamarudzi, ndichakupedzai panyika dzose; ndichakuparadzai, zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.' "
Shona SUB 2002 Bible
zvino tarirai, ndakatambanudzira ruoko rwangu pamusoro penyu, ndichakuisai kumarudzi muve sechinhu chakapambwa; ndichakubvisai pakati pamarudzi, ndichakupedzai panyika dzose; ndichakuparadzai, zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.’ ”