Ezekiel 26:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀanzi naShe Jehova kuTire: Ko ɀiwi haɀiŋgaɗeŋgenyeki here nomubvumo wokuwa kwako, kana ʋakakuʋadzwa ʋacigomera, kana ʋanhu ʋaciʋurawa mukati mako here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Zvanzi naIshe Jehovha kuTire: Ko, zviwi hazvichadengenyeki here pakunzwa mubvumo wokuwa kwako, vakakuvadzwa pavanenge vachigomera uye kuuraya kuchiitika mauri here?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi Mwari ari kutaura akanangana neTire kuti nyika dzomumahombekombe megungwa hadzisi kuzondengendeka here nokuriridza kwokuputsika kwako, pachauraiwa vanenge vakuvadzwa mukati mako marakatiswa kuuraya vanhu?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvanzi naIshe Jehovha kuTire, “Ko zvivi hazvingadengenyeki here nokutinhira kwokuwa kwako, kana vanhu vako vakakuvadzwa vachigomera, kana vanhu vachiurawa mukati mako here?
Shona 2009?
Zvanzi naIshe Jehovha kuTire, "Ko zviwi hazvingadengenyeki here nokutinhira kokuwa kwako, kana vanhu vako vakakuvadzwa vachigomera, kana vanhu vachiurawa mukati mako here?
Shona SUB 2002 Bible
Zvanzi naIshe Jehovha kuTire, “Ko zvivi hazvingadengenyeki here nokutinhira kwokuwa kwako, kana vanhu vako vakakuvadzwa vachigomera, kana vanhu vachiurayiwa mukati mako here?