Ezekiel 26:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋacaita mariro pamsoro pako, ʋaciti kwauri: Haiwa, wakaparadzwa sei, iwe wakaŋga wakagarwa naʋanhu ʋaiziʋa kufamba neguŋgwa, iro guta rakaŋga rinembiri, rakaŋga rinesimba paguŋgwa, iro naʋanhu ʋaro, ʋaityisa ʋose ʋagere’ko.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo vachaita mariro pamusoro pako vagoti kwauri: “ ‘Wakaparadzwa sei, iwe guta romukurumbira, wakanga uzere navanhu vomugungwa! Wakanga uri simba pamusoro pamakungwa, iwe navanhu vako; wakaisa kutya kwako pamusoro pavo vose vaigara ikoko.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vachakuimbira ngondo vachikuti: “Kubva watonyangarika kudai mumakungwa iwe guta rembiri, waimbova nesimba guru nezvokugungwa iwe navagari vako waivhundutsa nyika dzose dzomukati.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Vachaita mariro pamusoro pako, vachiti kwauri, ‘Aiwa, wakaparadzwa sei, iwe wakanga wakagarwa navanhu vaiziva kufamba negungwa, iro guta rakanga rine mbiri, rakanga rine simba pagungwa, iro navanhu varo, vaityisa vose vagereko.’
Shona 2009?
"Vachaita mariro pamusoro pako, vachiti kwauri, `Aiwa, wakaparadzwa sei, iwe wakanga wakagarwa navanhu vaiziva kufamba negungwa, iro guta rakanga rine mbiri, rakanga rine simba pagungwa, iro navanhu varo, vaityisa vose vagereko.'
Shona SUB 2002 Bible
“Vachaita mariro pamusoro pako, vachiti kwauri, ‘Aiwa, wakaparadzwa sei, iwe wakanga wakagarwa navanhu vaiziva kufamba negungwa, iro guta rakanga rine mbiri, rakanga rine simba pagungwa, iro navanhu varo, vaityisa vose vagereko.’