Ezekiel 26:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ɀanzi naShe Jehova: Neŋguʋa yandicakuita guta ɗoŋgo, seɀakaita maguta asinaʋanhu, neŋguʋa yandicaʋuyisa guŋgwa rakadzika pamsoro pako, ukafukidzwa nemvura zhinji;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Zvanzi naIshe Jehovha: Pandichaita kuti guta rako rive dongo, samamwe maguta asingachagarwi uye pandinouyisa kudzika kwegungwa pamusoro pako uye mvura zhinji dzaro dzikakufukidza,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chikonzero ndechokuti zvanzi naTenzi Mwari, “Pandichakuita kuti usare wava renje zvaro reguta samaguta asina ageremo pandichakuti ndondondo muhwenje hwegungwa, mvura zhinji igokuti fuse fuse.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, ‘Nenguva yandichakuita guta dongo, sezvakaita maguta asina vanhu, nenguva yandichauyisa gungwa rakadzika pamusoro pako, ukafukidzwa nemvura zhinji;
Shona 2009?
Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, `Nenguva yandichakuita guta dongo, sezvakaita maguta asina vanhu, nenguva yandichauyisa gungwa rakadzika pamusoro pako, ukafukidzwa nemvura zhinji;
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, ‘Nenguva yandichakuita guta dongo, sezvakaita maguta asina vanhu, nenguva yandichauyisa gungwa rakadzika pamusoro pako, ukafukidzwa nemvura zhinji;