Ezekiel 26:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi iwe ndicakuita cinhu cinotyisa, hauŋgazoʋi’po; kunyaŋge ukatȿakwa, hauŋgawanikwi ɀe nokusiŋgaperi — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndichakusvitsa kumagumo anotyisa uye hauchazovepozve. Uchatsvakwa, asi haungawanikwizve, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndichakusvitsa pamugumo unosiririsa, pako panenge pakuperera, vanhu vachakutsvaka zvako asi hauzowanikwazve.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Asi iwe ndichakuita chinhu chinotyisa, haungazovipo; kunyange ukatsvakwa, haungawanikwizve nokusingaperi,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Shona 2009?
"Asi iwe ndichakuita chinhu chinotyisa, haungazovipo; kunyange ukatsvakwa, haungawanikwizve nokusingaperi," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Shona SUB 2002 Bible
“Asi iwe ndichakuita chinhu chinotyisa, haungazovipo; kunyangwe ukatsvakwa, haungawanikwizve nokusingaperi,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.