Ezekiel 26:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ɀanzi naShe Jehova: Tarira, ndinemhaka newe, iwe Tire, ndicaʋuyisa marudzi mazhinji kuzorwa newe, seɀinoʋuyisa guŋgwa mafuŋgu aro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndiri kukurwisa, iwe Tire, uye ndichauyisa marudzi mazhinji kuti azorwa newe, segungwa rinorasa mafungu aro.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
naizvozvo Tenzi Mwari ati chinzwa iye zvino ndanangana newe Tire. Ndichakuunzira marudzi akawanda kuzorwisana newe segungwa ramutsa mafungu aro.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, ‘Tarira, ndine mhaka newe, iwe Tire, ndichauyisa marudzi mazhinji kuzorwa newe, sezvinouyisa gungwa mafungu aro.
Shona 2009?
"Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, `Tarira, ndine mhaka newe, iwe Tire, ndichauyisa marudzi mazhinji kuzorwa newe, sezvinouyisa gungwa mafungu aro.
Shona SUB 2002 Bible
“Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, ‘Tarira, ndine mhaka newe, iwe Tire, ndichauyisa marudzi mazhinji kuzorwa newe, sezvinouyisa gungwa mafungu aro.