Ezekiel 27:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋarume ʋeArvadi ʋaiʋa pamsoro pamaȿiŋgo ako kumatiʋi ose pamŋe cete nehondo yako, nemhare dzaiʋa pamsoro peshoŋgwe dzako; ʋaiturika nhoʋo dzaʋo pamaȿiŋgo ako kumatiʋi ose, ʋaikwanisa kunaka kwako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanhu vokuArivhadhi nevokuHereki vakakomba masvingo ako kumativi ose; vanhu vokuGamadhi vakanga vari mushongwe dzako. Vakaturika nhoo dzavo pamasvingo ako; vakaita kuti runako rwako rukwane.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Varume vokuArivhadhi nehondo yako yavarwi vaiva patsvingo dzako kukutenderera uye varume vokuGamadhi vaiva munharirire dzako. Vaiturikawo nhoo dzavo patsvingo dzako kukutenderera vachinyatsoita kuti uve norunako chairwo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Varume veArivhadhi vaiva pamusoro pamasvingo ako kumativi ose pamwechete nehondo yako, nemhare dzaiva pamusoro peshongwe dzako; vaiturika nhoo dzavo pamasvingo ako kumativi ose, vaikwanisa kunaka kwako.
Shona 2009?
Varume veArivhadhi vaiva pamusoro pamasvingo ako kumativi ose pamwechete nehondo yako, nemhare dzaiva pamusoro peshongwe dzako; vaiturika nhovo dzavo pamasvingo ako kumativi ose, vaikwanisa kunaka kwako.
Shona SUB 2002 Bible
Varume veArivhadhi vaiva pamusoro pamasvingo ako kumativi ose pamwechete nehondo yako, nemhare dzaiva pamusoro peshongwe dzako; vaiturika nhoo dzavo pamasvingo ako kumativi ose, vaikwanisa kunaka kwako.