Ezekiel 27:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋarume ʋeDedani ndiʋo ʋaiteŋgerana newe; ɀiwi ɀizhinji ɀaiʋa nɀimbo pawaiteŋgesa noruʋoko rwako; ʋaiʋuya nenyaŋga dzenzou namatanda omushuma kuzotsinhanha newe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Varume vokuRodhe vakatengeserana newe, uye zviwi zvizhinji zvakanga zviri nzvimbo dzako dzokutengesera; vaikuripira nenyanga dzenzou nomuti womuvanga.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanhu veRodhesi vaitengeserana newe. Nyika zhinji dzokumahombekombe dzaitenga kwauri dzichikubhadhara nyanga denzou nomuti weebhoni.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Varume veDhedhani ndivo vaitengerana newe; zvivi zvizhinji zvaiva nzvimbo pawaitengesa noruoko rwako; vaiuya nenyanga dzenzou namatanda omushuma kuzotsinhanha newe.
Shona 2009?
Varume veDhedhani ndivo vaitengerana newe; zviwi zvizhinji zvaiva nzvimbo pawaitengesa noruoko rwako; vaiuya nenyanga dzenzou namatanda omushuma kuzotsinhanha newe.
Shona SUB 2002 Bible
Varume veDhedhani ndivo vaitengerana newe; zvivi zvizhinji zvaiva nzvimbo pawaitengesa noruoko rwako; vaiuya nenyanga dzenzou namatanda omushuma kuzotsinhanha newe.