Ezekiel 27:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
uti kuTire: Nhai iwe ugere paʋanopinda paguŋgwa, iwe unoshambadzirana namarudzi aʋanhu paɀiwi ɀizhinji, ɀanzi naShe Jehova: Iwe Tire, wakati: Ndakakwana pakunaka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uti kuTire, riri pamusoro unopinda kugungwa, mushambadziri wavanhu vamarudzi ose pazviwi zvizhinji, “Zvanzi naIshe Jehovha, “ ‘Unoti, iwe Tire, “Ini ndakakwana parunako.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
uti kuTire, guta rigere pokupinda napo mugungwa, mushambadzi wezvoupfumi kumarudzi mazhinji enyika dzokumahombekombe kwegungwa iri zvanzi naTenzi Mwari: “Iwe Tire wakazviti, ndiri tsvarakadenga parunako.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
uti kuTire, ‘Nhai iwe ugere pavanopinda pagungwa, iwe unoshambadzirana namarudzi avanhu pazvivi zvizhinji, zvanzi naIshe Jehovha,’ iwe Tire, wakati, ‘Ndakakwana pakunaka.’
Shona 2009?
uti kuTire, `Nhai iwe ugere pavanopinda pagungwa, iwe unoshambadzirana namarudzi avanhu pazviwi zvizhinji, zvanzi naIshe Jehovha,' iwe Tire, wakati, `Ndakakwana pakunaka.'
Shona SUB 2002 Bible
uti kuTaya, ‘Nhai iwe ugere pavanopinda pagungwa, iwe unoshambadzirana namarudzi avanhu pazvivi zvizhinji, zvanzi naIshe Jehovha,’ iwe Taya, wakati, ‘Ndakakwana pakunaka.’