Ezekiel 27:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Maseiri ako aiʋa omuceka wakaiȿo‐naka, wakasonerwa ʋukomba, aibva Egipita, kuti uʋe mureza wako; ɗeŋga rako raiʋa romuceka mutema nomutȿuku waibva kuɀiwi ɀeErisha.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Maseiri ako akanga ari omucheka wakaisvonaka wakarukwa waibva kuIjipiti, uye wakashandiswa somureza wako; zvifukidzo zvako zvamatende zvakanga zviri bhuruu nepepuru, zvaibva kuzviwi zveErisha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Rineni yakanyatsorukirirwa yokuIjipiti ndoraiva jira rako rokufambisa ngarava richiita somureza wako. Jira roruvara rwedenga noruvara rwohute rokumahombekombe eErisha ndoraiva denga rayo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Maseiri ako aiva omucheka wakaisvonaka, wakasonerwa hukomba, aibva Ijipiti, kuti uve mureza wako; denga rako raiva romucheka mutema nomutsvuku waibva kuzvivi zveErisha.
Shona 2009?
Maseiri ako aiva omucheka wakaisvonaka, wakasonerwa vukomba, aibva Ijipiti, kuti uve mureza wako; denga rako raiva romucheka mutema nomutsvuku waibva kuzviwi zveErisha.
Shona SUB 2002 Bible
Maseiri ako aiva omucheka wakaisvonaka, wakasonerwa hukomba, aibva Ijipiti, kuti uve mureza wako; denga rako raiva romucheka mutema nomutsvuku waibva kuzvivi zveErisha.