Ezekiel 28:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mŋanakomana womunhu, itira mambo weTire mariro, uti kwaari: Ɀanzi naShe Jehova: Iwe wokuisa cisimbiso cako paciyero, uzere noʋucenjeri, wakakwana pakunaka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Mwanakomana womunhu, itira mambo weTire mariro ugoti kwaari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha, “ ‘Iwe wakanga uri muenzaniso wokukwana, uzere nouchenjeri wakakwana parunako.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Iwe mwanakomana womunhu ungudza uchichema mambo weTire uti kwaari, zvanzi naTenzi Mwari: “Iwe waiva mucherechedzo wokukwana uzere noungwaru norunako rwakakwana.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Mwanakomana womunhu, itira mambo weTire mariro, uti kwaari, zvanzi naIshe Jehovha, ‘Iwe wokuisa chisimbiso chako pachiyero, uzere nohuchenjeri, hwakakwana pakunaka.’
Shona 2009?
"Mwanakomana womunhu, itira mambo weTire mariro, uti kwaari, zvanzi nalshe Jehovha, `Iwe wokuisa chisimbiso chako pachiyero, uzere nohuchenjeri, hwakakwana pakunaka.'
Shona SUB 2002 Bible
“Mwanakomana womunhu, itira mambo weTaya mariro, uti kwaari, zvanzi naIshe Jehovha, ‘Iwe wokuisa chisimbiso chako pachiyero, uzere nohuchenjeri, hwakakwana pakunaka.’