Ezekiel 28:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuwanda kwokushambadzira kwako ʋakazadza mukati mako nokuita nesimba, ukatadza; naiɀoɀo ndakakudziŋga pagomo raMŋari ndiciti uri cinhu cinomhurwa, ndikakuparadza, iwe kerubi raifukidzira areka, ndikakubvisa pakati pamabge omŋoto.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuwanda kwokushambadzira kwako wakabva wazara nechisimba, ndokubva watadza. Saka ndakakudzinga mukunyadziswa kubva pagomo raMwari, uye ndakakudzinga, iwe kerubhi rokurinda, kuti ubve pakati pamabwe omoto.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mukuwanda kwemhindu dzako dzokutengeserana wakazara utsinye ukazoita chitadzo. Ipapo ndakakukanda pasi sechinhu chakan'ora zvacho kubva pagomo raMwari. Ipapo kerubhu rokuchengetedza rakazokudzinga pakati pamabwe omoto.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuwanda kwokushambadzira kwako vakazadza mukati mako nokuita nesimba, ukatadza; naizvozvo ndakakudzinga pagomo raMwari ndichiti uri chinhu chinomhurwa, ndikakuparadza, iwe kerubhi raifukidzira areka, ndikakubvisa pakati pamabwe omoto.
Shona 2009?
Nokuwanda kokushambadzira kwako vakazadza mukati mako nokuita nesimba, ukatadza; naizvozvo ndakakudzinga pagomo raMwari ndichiti uri chinhu chinomhurwa, ndikakuparadza, iwe kerubhi raifukidzira areka, ndikakubvisa pakati pamabwe omoto.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuwanda kwokushambadzira kwako vakazadza mukati mako nokuita nesimba, ukatadza; naizvozvo ndakakudzinga pagomo raMwari ndichiti uri chinhu chinomhurwa, ndikakuparadza, iwe kerubhi raifukidzira areka, ndikakubvisa pakati pamabwe omoto.