Ezekiel 28:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mŋoyo wako wakaɀikudza nokuɗa kwokunaka kwako; wakaʋodza ʋucenjeri bgako nokuɗa kwokubginya kwako; ndakakuwisira pasi, ndakakuisa pamberi pamadzimambo kuti ʋakuʋone.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mwoyo wako wakazvikudza nokuda kworunako rwako, uye wakaodza uchenjeri hwako nokuda kwokubwinya kwako. Saka ndakakukandira kunyika; ndakakuita chinhu chinosekwa pamberi pamadzimambo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Wakava nomwoyo wokuzvikudza pamusana porunako rwako; wakaodza ungwaru hwako uchifuririka nomukurumbira wako. Ndakakunda pasi ndikakuisa pachena zvapo panotoonekwawo namamwe madzimambo kuti vakutarise zvavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mwoyo wako wakazvikudza nokuda kwokunaka kwako; wakaodza huchenjeri hwako nokuda kwokubwinya kwako; ndakakuwisira pasi, ndakakuisa pamberi pamadzimambo kuti vakuone.
Shona 2009?
moyo wako wakazvikudza nokuda kokunaka kwako; wakaodza huchenjeri hwako nokuda kokubwinya kwako; ndakakuwisira pasi, ndakakuisa pamberi pamadzimambo kuti vakuone.
Shona SUB 2002 Bible
Mwoyo wako wakazvikudza nokuda kwokunaka kwako; wakaodza huchenjeri hwako nokuda kwokubwinya kwako; ndakakuwisira pasi, ndakakuisa pamberi pamadzimambo kuti vakuone.