Ezekiel 28:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuwanda kweɀakaipa ɀako, nokusarurama kwokushambadzira kwako, wakamhura nɀimbo dzako tȿene; naiɀoɀo ndakaɓuɗisa mŋoto mukati mako; wakakupedza, ndikakushandura ukaʋa maɗota panyika pamberi paʋose ʋanokuʋona.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuda kwokuwanda kwezvivi zvako, uye nokubiridzira kwako mukushambadzira, wakazvidza nzvimbo dzako tsvene. Saka ndakabudisa moto mukati mako, ukakuparadza, uye ndakakupisa kusvikira wava madota panyika, pamberi pavose vaikuona.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokunyanyawo kwakanga kwaita kuipa kwako mukushaya kwako nduramo pamhindu dzako dzokutengeserana wakan'oresa Nzvimbo dzako Dzinoera. Naizvozvo ndakatungidza moto mukati mako ukakuroromesa ndikakuita madota zvawo ari pasi mumaziso mevose vaikuona.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuwanda kwezvakaipa zvako, nokusarurama kwokushambadzira kwako, wakamhura nzvimbo dzako tsvene; naizvozvo ndakabudisa moto mukati mako; wakakupedza, ndikakushandura ukava madota panyika pamberi pavose vanokuona.
Shona 2009?
Nokuwanda kwezvakaipa zvako, nokusarurama kokushambadzira kwako, wakamhura nzvimbo dzako tsvene; naizvozvo ndakabudisa moto mukati mako; wakakupedza, ndikakushandura ukava madota panyika pamberi pavose vanokuona.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuwanda kwezvakaipa zvako, nokusarurama kwokushambadzira kwako, wakamhura nzvimbo dzako tsvene; naizvozvo ndakabudisa moto mukati mako; wakakupedza, ndikakushandura ukava madota panyika pamberi pavose vanokuona.