Ezekiel 28:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mŋanakomana womunhu, iti kumucinda weTire: Ɀanzi naShe Jehova: Mŋoyo wako ɀawakaɀikudza, iwe ukati: Ini ndiri mŋari, ndigere pacigaro caMŋari pakati pamakuŋgwa, kunyaŋge ɀakaɗaro, uri munhu hako, hauzi Mŋari, kunyaŋge wakamisa mŋoyo wako somŋoyo waMŋari;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Mwanakomana womunhu, uti kumubati weTire, ‘Zvanzi naIshe Jehovha, “ ‘Mukuzvikudza kwomwoyo wako iwe wakati, “Ini ndiri mwari; ndinogara pachigaro choushe chamwari, pakati pomwoyo wamakungwa.” Asi uri munhu zvako uye hauzi mwari, kunyange uchifunga kuti wakachenjera samwari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Iwe mwanakomana womunhu iti kujinda reTire, zvanzi naTenzi Mwari: “Pamusana pokuti une mwoyo wokuzvikudza, uchizviti ndiri mwari; ndinogara pachigaro chavamwari; pakati chaipo pamakungwa asi iwe uri munhu zvako asiri Mwari kunyange zvazvo uchifunga kuti uri mungwaru saMwari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Mwanakomana womunhu, iti kumuchinda weTire, zvanzi naIshe Jehovha, ‘Mwoyo wako zvawakazvikudza,’ iwe ukati, ‘Ini ndiri mwari, ndigere pachigaro chaMwari pakati pamakungwa,’ kunyange zvakadaro, uri munhu hako, hauzi Mwari, kunyange wakamisa mwoyo wako somwoyo waMwari;
Shona 2009?
"Mwanakomana womunhu, iti kumuchinda weTire, zvanzi nalshe Jehovha, `moyo wako zvawakazvikudza,' iwe ukati, `Ini ndiri mwari, ndigere pachigaro chaMwari pakati pamakungwa,' kunyange zvakadaro, uri munhu hako, hauzi Mwari, kunyange wakamisa moyo wako somoyo waMwari;
Shona SUB 2002 Bible
“Mwanakomana womunhu, iti kumuchinda weTaya, zvanzi naIshe Jehovha, ‘Mwoyo wako zvawakazvikudza,’ iwe ukati, ‘Ini ndiri mwari, ndigere pachigaro chaMwari pakati pamakungwa,’ kunyangwe zvakadaro, uri munhu hako, hauzi Mwari, kunyangwe wakamisa mwoyo wako somwoyo waMwari;