Ezekiel 28:22 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
uti: Ɀanzi naShe Jehova: Tarira, ndinemhaka newe, iwe Sidoni; ndicakudzwa mukati mako; ʋanhu ʋacaziʋa kuti ndini Jehova, neŋguʋa yandinoita mukati maro iɀo ɀandakatoŋga, ndiciitwa mutȿene mukati maro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha, “Ndine mhaka newe, iwe Sidhoni, uye ndichazviwanira kukudzwa mukati mako. Vachaziva kuti ndini Jehovha, pandichariranga nokuzviratidza kuti ndiri mutsvene mariri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Zvanzi naTenzi Mwari, ‘Chinzwa, ndanangana newe iwe Sidhoni. Ndichaonesa mbiri yangu mukati mako imomo. Ndipo pavachazoziva kuti ndini Tenzi pandicharitemera chirango charo ndicharatidza kuera kwangu mariri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
uti, zvanzi nashe Jehovha, ‘Tarira, ndine mhaka newe, iwe Sidhoni; ndichakudzwa mukati mako; vanhu vachaziva kuti ndini Jehovha, nenguva yandinoita mukati maro izvo zvandakatonga, ndichiitwa mutsvene mukati maro.’
Shona 2009?
uti, zvanzi nashe Jehovha, `Tarira, ndine mhaka newe, iwe Sidhoni; ndichakudzwa mukati mako; vanhu vachaziva kuti ndini Jehovha, nenguva yandinoita mukati maro izvo zvandakatonga, ndichiitwa mutsvene mukati maro.'
Shona SUB 2002 Bible
uti, zvanzi nashe Jehovha, ‘Tarira, ndine mhaka newe, iwe Sidhoni; ndichakudzwa mukati mako; vanhu vachaziva kuti ndini Jehovha, nenguva yandinoita mukati maro izvo zvandakatonga, ndichiitwa mutsvene mukati maro.’