Ezekiel 28:23 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ndicatuma hosha yakaipa mukati maro, neropa munzira dzaro; ʋakakuʋadzwa ʋacawira pasi mukati maro, kana munondo uciʋuya pamsoro paro kumatiʋi ose; ɀino ʋacaziʋa kuti ndini Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndichatuma denda pamusoro paro uye ndichaita kuti ropa riyerere munzira dzaro. Vakaurayiwa vachawira mariri, nomunondo uchirirwisa kumativi ose. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndinodaro nokuti ndichatumira denda kwariri nokudeuka kweropa mumigwagwa yaro. Vanenge vaurayiwa vachati rakata mukati maro nebakatwa rinenge rorirwisa kumativi ose zvawo. Ndipo pavachazoziva kuti ndini Tenzi.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti ndichatuma hosha yakaipa mukati maro, neropa munzira dzaro; vakakuvadzwa vachawira pasi mukati maro, kana munondo uchiuya pamusoro paro kumativi ose; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.
Shona 2009?
Nokuti ndichatuma hosha yakaipa mukati maro, neropa munzira dzaro; vakakuvadzwa vachawira pasi mukati maro, kana munondo uchiuya pamusoro paro kumativi ose; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti ndichatuma chirwere chakaipa mukati maro, neropa munzira dzaro; vakakuvadzwa vachawira pasi mukati maro, kana munondo uchiuya pamusoro paro kumativi ose; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.