Ezekiel 28:24 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hapacazoʋi norukato runoɓaya imba yaIsraeri, kana munzwa unokuʋadza pakati paʋaiʋakomberedza, ʋaiʋashoʋora; ɀino ʋacaziʋa kuti ndini Ishe Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Vanhu veIsraeri havachazovizve navavakidzani vanovagodora vachivarwadzisa sorukato runopinza. Ipapo vachaziva kuti ndini Ishe Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Zvino kana zviri zvemba yaIsiraeri hakuzombovizve norukato runobaya kana munzwa unovakuvadza pakati pavavakagarisana navo vaimbovashora. Ipapo ndipo pavachazoziva kuti ndini Tenzi Mwari.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Hapachazovi norukato runobaya imba yaIsiraeri, kana munzwa unokuvadza pakati pavaivakomberedza, vaivashoora; zvino vachaziva kuti ndini Ishe Jehovha.”
Shona 2009?
"Hapachazovi norukato runobaya imba yaIsiraeri, kana munzwa unokuvadza pakati pavaivakomberedza, vaivashoora; zvino vachaziva kuti ndini Ishe Jehovha."
Shona SUB 2002 Bible
“Hapachazovi norukato runobaya imba yaIsiraeri, kana munzwa unokuvadza pakati pavaivakomberedza, vaivashora; zvino vachaziva kuti ndini Ishe Jehovha.”