Ezekiel 28:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀanzi naShe Jehova: Neŋguʋa yandineŋge ndaʋuŋganidza imba yaIsraeri kumarudzi aʋanhu kwaʋakaŋga ʋakaparadzirwa, ndikaitwa mutȿene pakati paʋo pamberi pamarudzi, neŋguʋa iyo ʋacagara munyika yaʋo yandakapa muranda waŋgu Jakobo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Pandinounganidza vanhu veIsraeri kubva kundudzi kwavakanga vakaparadzirwa, ndichazviratidza kuti ndiri mutsvene pakati pavo pamberi pendudzi. Ipapo vachagara munyika yavo pachavo, yandakapa muranda wangu Jakobho.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvanzi naTenzi Mwari, “Pandichakokorodza veimba yaIsiraeri mukati memarudzi mavakapararira ndichiratidza kuera kwangu mavari mumaziso mendudzi idzodzo, vachazogara munyika yavo yandakapa kuna Jakobho muranda wangu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvanzi naIshe Jehovha, “Nenguva yandinenge ndaunganidza imba yaIsiraeri kumarudzi avanhu kwavakanga vakaparadzirwa, ndikaitwa mutsvene pakati pamberi pamarudzi, nenguva iyo vachagara munyika yavo yandakapa muranda wangu Jakobho.
Shona 2009?
Zvanzi naIshe Jehovha, "Nenguva yandinenge ndaunganidza imba yaIsiraeri kumarudzi avanhu kwavakanga vakaparadzirwa, ndikaitwa mutsvene pakati pamberi pamarudzi, nenguva iyo vachagara munyika yavo yandakapa muranda wangu Jakobho.
Shona SUB 2002 Bible
Zvanzi naIshe Jehovha, “Nenguva yandinenge ndaunganidza imba yaIsiraeri kumarudzi avanhu kwavakanga vakaparadzirwa, ndikaitwa mutsvene pakati pamberi pamarudzi, nenguva iyo vachagara munyika yavo yandakapa muranda wangu Jakobho.