Ezekiel 28:26 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋacagara’mo ʋakaceŋgetwa; ɀirokwaɀo, ʋacaʋaka dzimba, nokusima minda yemizambiriŋga, ʋacagara ʋakaceŋgetwa, kana ndaita ɀandakatoŋga pamsoro paʋose ʋakaʋapoteredza ʋanoʋashoʋora; ɀino ʋacaziʋa kuti ndini Jehova Mŋari waʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vachagaramo norugare uye vachavaka dzimba nokusima minda yemizambiringa; vachagara norugare pandicharanga vavakidzani vavo vose vanovagodora. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ivo vachagara pasina chinovawana mairi; vachavaka dzimba vachisima minda yamagirepisi. Vachagara zvavo pasina chinovawana pandicharanga vavakagarisana navo vose ivo vaya vakambovashora. Ipapo ndipo pavachazoziva kuti ndini Tenzi Mwari wavo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vachagaramo vakachengetwa; zvirokwazvo, vachavaka dzimba, nokusima minda yemidzambiringa, vachagara vakachengetwa, kana ndaita zvandakatonga pamusoro pavose vakavapoteredza vanovashora; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo.”
Shona 2009?
Vachagaramo vakachengetwa; zvirokwazvo, vachavaka dzimba, nokusima minda yemizambiringa, vachagara vakachengetwa, kana ndaita zvandakatonga pamusoro pavose vakavapoteredza vanovashora; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo."
Shona SUB 2002 Bible
Vachagaramo vakachengetwa; zvirokwazvo, vachavaka dzimba, nokusima minda yemizambiringa, vachagara vakachengetwa, kana ndaita zvandakatonga pamusoro pavose vakavapoteredza vanovashora; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo.”