Ezekiel 28:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ko uŋgazoreʋa pamberi pounokuʋuraya, uciti: Ndiri Mŋari? Asi uri munhu, hauzi Mŋari, muruʋoko rwaiye unokukuʋadza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo uchati here, “Ndiri mwari,” pamberi pavanokuuraya? Uchava munhu chete, kwete mwari, mumaoko aivo vanokuuraya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Uchazoramboti ndiri mwari here pamberi pavanokuuraya, iwe uri munhu zvako usiri Mwari izvozvo uri mumaoko mavanokukuvadza?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ko ungazoreva pamberi pounokuuraya, uchiti, ‘Ndini Mwari?’ Asi uri munhu, hauzi Mwari, muruoko rwaiye unokukuvadza.
Shona 2009?
Ko ungazoreva pamberi pounokuuraya, uchiti, `Ndini Mwari?' Asi uri munhu, hauzi Mwari, muruoko rwaiye unokukuvadza.
Shona SUB 2002 Bible
Ko ungazoreva pamberi pounokuuraya, uchiti, ‘Ndini Mwari?’ Asi uri munhu, hauzi Mwari, muruoko rwaiye unokukuvadza.