Ezekiel 29:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mŋanakomana womunhu, Nebukadrezari mambo weBabironi, wakaɓatisa hondo yake ɓasa guru rokurwa neTire; misoro yose yakaȿotorwa namafudzi ose akaȿuʋuka; kunyaŋge ɀakaɗaro iye nehondo yake haʋana‐kupiwa muɓairo neTire pamsoro peɓasa raakaɓata acirwa naʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Mwanakomana womunhu, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akabatisa hondo yake basa guru rokurwa neTire; musoro mumwe nomumwe wakasvuurwa uye pfudzi rimwe nerimwe rakasvotorwa. Kunyange zvakadaro iye nehondo yake havana kuwana mubayiro pamusoro pebasa ravakaita achirwa naro.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Iwe mwanakomana womunhu, Nebhukadhireza mambo weBhabhironi akaita kuti hondo yake irwise Tire zvakaomarara, vanhu vose vakasvuuka musoro, mapfudzi avo akasvauka asi iye nehondo yake havana chavakawana pakurwisa kwavo ikoko.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Mwanakomana womunhu, Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi, wakabatisa hondo yake basa guru rokurwa neTire; misoro yose yakasvotorwa namafudzi ose akasvuuka; kunyange zvakadaro iye nehondo yake havana kupiwa mubayiro neTire pamusoro pebasa raakabata achirwa navo.
Shona 2009?
"Mwanakomana womunhu, Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi, wakabatisa hondo yake basa guru rokurwa neTire; misoro yose yakasvotorwa namafudzi ose akasvuuka; kunyange zvakadaro iye nehondo yake havana kupiwa mubayiro neTire pamusoro pebasa raakabata achirwa navo.
Shona SUB 2002 Bible
“Mwanakomana womunhu, Nebhukadhineza mambo weBhabhironi, wakabatisa hondo yake basa guru rokurwa neTaya; misoro yose yakasvotorwa namafudzi ose akasvuuka; kunyangwe zvakadaro iye nehondo yake havana kupiwa mubairo neTaya pamusoro pebasa raakabata achirwa navo.