Ezekiel 29:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ɀanzi naShe Jehova: Tarirai, nyika yeEgipita ndicaipa Nebukadrezari mambo weBabironi; iye ucatapa ʋanhu ʋayo ʋazhinji, nokutora ɀaacapamba, nokutora ɀaacatapa; ndiɀo ɀicaʋa muɓairo wehondo yake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndiri kuzopa nyika yeIjipiti kuna Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, uye iye achatapa pfuma yayo. Achapamba nokutora nyika somuripo wehondo yake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari, ‘Chinzwai, ndava kupa nyika yeIjipiti kuna Nebhukadhireza, mambo weBhabhironi; achatakura upfumi hwayo; achaitora nokuipamba. Ndiwo uchava muripo wamasoja avo iwoyo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, ‘Tarirai, nyika yeIjipiti ndichaipa Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi; iye uchatapa vanhu vayo vazhinji, nokutora zvaachapamba, nokutora zvaachatapa; ndizvo zvichava mubayiro wehondo yake.
Shona 2009?
Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, `Tarirai, nyika yeIjipiti ndichaipa Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi; iye uchatapa vanhu vayo vazhinji, nokutora zvaachapamba, nokutora zvaachatapa; ndizvo zvichava mubayiro wehondo yake.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, ‘Tarirai, nyika yeIjipiti ndichaipa Nebhukadhineza mambo weBhabhironi; iye uchatapa vanhu vayo vazhinji, nokutora zvaachapamba, nokutora zvaachatapa; ndizvo zvichava mubairo wehondo yake.