Ezekiel 29:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Taura, uti: Ɀanzi naShe Jehova: Tarira, ndinemhaka newe, iwe Farao mambo weEgipita, iwe shato huru uʋete pakati penzizi dzako, ukati: Rwizi rwaŋgu ndorwaŋgu, ndakaɀiitira irwo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Taura kwaari kuti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha, “ ‘Ndine mhaka newe, iwe Faro mambo weIjipiti, iyewe shato huru uvete pakati pehova dzako. Iwe unoti, “Nairi ndorwangu; ndakazvigadzirira pachangu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Taura uti zvanzi naTenzi Mwari: “Chinzwai ndanangana newe, iwe Farao mambo weIjipiti iwe garanyanya zvaro guru rigere pakati potukova twaro rinotozviti, ‘Rwizi rwangu rweNairi nderwangu ini pano! Ndini inini ndakarwugadzira! Ndichakuti koche koche shaya dzako nezvirauro.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Taura uti, zvanzi naIshe Jehovha, ‘Tarira, ndine mhaka newe, iwe Farao mambo weIjipiti, iwe shato huru uvete pakati penzizi dzako,’ ukati, ‘Rwizi rwangu ndorwangu, ndakazviitira irwo.’
Shona 2009?
Taura uti, zvanzi nalshe Jehovha, `Tarira, ndine mhaka newe, iwe Farao mambo iwe shato huru uvete pakati penzizi dzako,' ukati, `Rwizi rwangu ndorwangu, ndakazviitira irwo.'
Shona SUB 2002 Bible
Taura uti, zvanzi naIshe Jehovha, ‘Tarira, ndine mhaka newe, iwe Farao mambo weIjipiti, iwe shato huru uvete pakati penzizi dzako,’ ukati, ‘Rwizi rwangu ndorwangu, ndakazviitira irwo.’