Ezekiel 3:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋuye ɀe, kana munhu wakarurama akatsauka pakururama kwake, akaita ɀakaipa, ini ndikaisa cigumbuso pamberi pake, ucafa; ɀausina‐kumunyeʋera, ucafira muɀiʋi ɀake; ɀakarurama ɀaakaita haɀiŋgaraŋgarirwi, asi ropa rake ndicaribvunza paruʋoko rwako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Zvakare, kana munhu akarurama akatsauka pakururama kwake uye akaita zvakaipa, ini ndikaisa chigumbuso pamberi pake, achafa. Sezvo usina kumuyambira, iye achafa nokuda kwechivi chake. Zvakarurama zvaakaita hazvizorangarirwi, uye iwe uchava nemhosva yeropa rake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Uyezve kana munhu akarurama akatsauka pakururama kwake akaita zvakaipa, ini ndikamuisira chibingamupinyi achafa pamusana pokuti unenge usina kumupa yambiro achafira chitadzo chake ichocho, mabasa ake akarurama aya aakamboita haazomborangarirwa, asi mhosva yokudeuka kweropa rake ndichaipa iwe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Uyezve, kana munhu akarurama akatsauka pakururama kwake, akaita zvakaipa, ini ndikaisa chigumbuso pamberi pake, achafa; zvausina kumunyevera, achafira muzvivi zvake; zvakarurama zvaakaita hazvingarangarirwi, asi ropa rake ndicharibvunza paruoko rwako.
Shona 2009?
"Uyezve, kana munhu akarurama akatsauka pakururama kwake, akaita zvakaipa, ini ndikaisa chigumbuso pamberi pake, achafa; zvausina kumunyevera, achafira muzvivi zvake; zvakarurama zvaakaita hazvingarangarirwi, asi ropa rake ndicharibvunza paruoko rwako.
Shona SUB 2002 Bible
“Uyezve, kana munhu akarurama akatsauka pakururama kwake, akaita zvakaipa, ini ndikaisa chigumbuso pamberi pake, achafa; zvausina kumunyevera, achafira muzvivi zvake; zvakarurama zvaakaita hazvingarangarirwi, asi ropa rake ndicharibvunza paruoko rwako.