Ezekiel 3:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi kana ukanyeʋera munhu wakarurama, kuti wakarurama arege kutadza, iye akasatadza, ɀirokwaɀo ucararama, nokuti wakaterera kunyeʋerwa, newe warwira mŋeya wako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi kana ukanyevera munhu akarurama uyu kuti arege kutadza uye akarega kutadza zvirokwazvo achararama nokuti akanzwa kunyeverwa, iwe uchange wazviponesa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi kana ukayambira munhu akarurama iyeyo kuti arege kupara chitadzo, iye akarega kuita chitadzo, kurarama achatorarama nokuti akateerera kuyambirwa. Iwe uchazviponesawo upenyu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Asi kana ukanyevera munhu akarurama, kuti akarurama arege kutadza, iye akasatadza, zvirokwazvo achararama, nokuti wakateerera kunyeverwa, newe waponesa mweya wako.”
Shona 2009?
"Asi kana ukanyevera munhu wakarurama, kuti wakarurama arege kutadza, iye akasatadza, zvirokwazvo achararama, nokuti wakateerera kunyeverwa, newe waponesa mweya wako."
Shona SUB 2002 Bible
“Asi kana ukanyevera munhu akarurama, kuti akarurama arege kutadza, iye akasatadza, zvirokwazvo achararama, nokuti wakateerera kunyeverwa, newe waponesa mweya wako.”