Ezekiel 3:24 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Mŋeya wakapinda mandiri, akandimisa namakumbo aŋgu, akataura neni, akati kwandiri: Enda, undoɀipfigira mumba mako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Mweya wakapinda mandiri ukandisimudza netsoka dzangu. Akataura kwandiri akati, “Enda undozvipfigira mumba mako.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Mweya akapinda mandiri akandimisa namakumbo akataura neni achiti, “Chienda undozvipfigira mumba mako.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Mweya akapinda mandiri, akandimisa namakumbo angu, akataura neni, akati kwandiri, “Enda, undozvipfigira mumba mako.
Shona 2009?
Ipapo Mweya wakapinda mandiri, ukandimisa namakumbo angu, ukataura neni, ukati kwandiri, "Enda, undozvipfigira mumba mako.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Mweya akapinda mandiri, akandimisa namakumbo angu, akataura neni, akati kwandiri, “Enda, undozvipfigira mumba mako.