Ezekiel 3:26 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ini ndicanamatirisa rurimi rwako mumukanwa wako, kuti uʋe mbeʋeʋe, urege kuʋa murairi waʋo; nokuti iʋo iimba ino ndi mukira simba.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndichaita kuti rurimi rwako runamire kumusoro kwomuromo wako kuitira kuti unyarare ukonewe kuvatsiura, kunyange vari imba yokumukira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndichaita kuti rurimi rwako runamatire mukanwa mako zvokuti uchava chimumumu ugotadza kuvadzora nokuti imba yavanhu vakapanduka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
ini ndichanamatirisa rurimi rwako mumukanwa wako, kuti uve mbeveve, urege kuva murayiri wavo; nokuti ivo iimba inondimukira simba.
Shona 2009?
ini ndichanamatirisa rurimi rwako mumukamwa wako, kuti uve mbeveve, urege kuva murayiri wavo; nokuti ivo iimba inondimukira simba.
Shona SUB 2002 Bible
ini ndichanamatirisa rurimi rwako mumukanwa wako, kuti uve mbeveve, urege kuva murayiri wavo; nokuti ivo iimba inondimukira simba.