Ezekiel 3:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
hautumŋi kumarudzi mazhinji anomutaurire usiŋgazikanwi norurimi runogozha, ʋausiŋgagoni kunzwisisa mashoko aʋo. Ɀirokwaɀo, ɗai ndaikutuma kwaʋari ʋaŋgaɗai ʋaikunzwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
kwete kumarudzi mazhinji vane mitauro isinganzwisisiki norurimi rwakagozha, vana mashoko ausingagoni kunzwisisa. Zvirokwazvo dai ndakanga ndakutuma kwavari, vangadai vakakunzwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
kusiri kumarudzi mazhinji anotaura chirudzi, kana mumwe mutauro wakaoma una mazwi ausingagoni kunzwisisa. Kuri kuti chaizvoizvo ndakutuma kuvanhu vakaita saivavo vaikunzwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
hautumwi kumarudzi mazhinji anomutauriro usingazikanwi norurimi rwakaoma, vausingagoni kunzwisisa mashoko avo. Zvirokwazvo, dai ndaikutuma kwavari vangadai vaikunzwa.
Shona 2009?
hautumwi kumarudzi mazhinji anomutauriro usingazikamwi norurimi rwakaoma, vausingagoni kunzwisisa mashoko avo. Zvirokwazvo, dai ndaikutuma kwavari vangadai vaikunzwa.
Shona SUB 2002 Bible
hautumwi kumarudzi mazhinji ano mutauriro usingazikanwi norurimi rwakaoma, vausingagoni kunzwisisa mashoko avo. Zvirokwazvo, dai ndaikutuma kwavari vangadai vaikunzwa.