Ezekiel 30:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndicaisa mŋoto paEgipita; Sini ricaɓatwa nokurwadziwa kukuru, No ricaparadzwa, Nofi ricaʋa naʋaʋeŋgi masikati.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndichapisa Ijipiti; Perusiami ichazvonyongoka nokurwadziwa. Tebhesi richakukurwa nedutu; Memufisi ichagara iri munhamo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ijipiti ndichaitungidza nomoto Perusiumu icharwadziwa zvikuru. Tebhesi ichakoromorwa rusvingo rwayo rugopazwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ndichaisa moto paIjipiti; Sini richabatwa nokurwadziwa kukuru, No richaparadzwa, Nofi richava navavengi masikati.
Shona 2009?
"Ndichaisa moto paIjipiti; Sini richabatwa nokurwadziwa kukuru, No richaparadzwa, Nofi richava navavengi masikati.
Shona SUB 2002 Bible
“Ndichaisa moto paIjipiti; Sini richabatwa nokurwadziwa kukuru, No richaparadzwa, Memufisi richava navavengi masikati.