Ezekiel 30:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndicatsigira maʋoko amambo weBabironi, asi maʋoko aFarao acaremberera pasi; ɀino ʋacaziʋa kuti ndini Jehova, kana ndiciisa munondo waŋgu muruʋoko rwamambo weBabironi, iye akautambanudzira pamsoro penyika yeEgipita.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndichasimbisa maoko amambo weBhabhironi, asi maoko aFaro acharembera pasi. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha, pandichaisa munondo muruoko rwamambo weBhabhironi agouvheyesa kuti arwise Ijipiti.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndichasimbaradza maoko amambo weBhabhironi asi Farao achati maoko regwede. Ndipo pavachaziva kuti ndini Tenzi. Pandinenge ndaisa bakatwa rangu mumaoko amambo weBhabhironi, acharisimudzira nyika yeIjipiti.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndichatsigira maoko amambo weBhabhironi, asi maoko aFarao acharemberera pasi; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha, kana ndichiisa munondo wangu muruoko rwamambo weBhabhironi, iye akautambanudzira pamusoro penyika yeIjipiti.
Shona 2009?
Ndichatsigira maoko amambo weBhabhironi, asi maoko aFarao acharemberera pasi; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha, kana ndichiisa munondo wangu muruoko rwamambo weBhabhironi, iye akautambanudzira pamusoro penyika
Shona SUB 2002 Bible
Ndichatsigira maoko amambo weBhabhironi, asi maoko aFarao acharemberera pasi; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha, kana ndichiisa munondo wangu muruoko rwamambo weBhabhironi, iye akautambanudzira pamusoro penyika yeIjipiti.