Ezekiel 30:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Munondo ucaʋuya pamsoro peEgipita, kurwadziwa kukuru kucaʋa’po paEtiopia, kana ʋakaʋurawa ʋaciparadzwa paEgipita; ʋacabvisa ʋanhu ʋayo ʋazhinji, nenheyo dzayo dzicakoromorwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Munondo uchauya pamusoro peIjipiti, uye kurwadziwa kuchauya pamusoro paEtiopia. Vakaurayiwa pavachawa muIjipiti, pfuma yake ichatakurwa ichienda kure uye nheyo dzayo dzichakoromorwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Bakatwa richaparadza Ijipiti, Itiopia ichawirwa nenhamo, vanenge vaurayiwa muIjipiti vachiti rakata; upfumi hwayo huchaendwa nahwo, ugaro hwayo huchiputswa.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Munondo uchauya pamusoro peIjipiti, kurwadziwa kukuru kuchavapo paItiopia, kana vakaurawa vachiparadzwa paIjipiti; vachabvisa vanhu vayo vazhinji, nenheyo dzayo dzichakoromorwa.
Shona 2009?
Munondo uchauya pamusoro peIjipiti, kurwadziwa kukuru kuchavapo paItiopia, kana vakaurawa vachiparadzwa vachabvisa vanhu vayo vazhinji, nenheyo dzayo dzichakoromorwa.
Shona SUB 2002 Bible
Munondo uchauya pamusoro peIjipiti, kurwadziwa kukuru kuchavapo paItiopia, kana vakaurayiwa vachiparadzwa muIjipiti; vachabvisa vanhu vayo vazhinji, nenheyo dzayo dzichakoromorwa.