Ezekiel 31:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndakaɗeɗeresa marudzi ose nokutinhira kwokuwa kwake, neŋguʋa yandakamukandira muSheori, pamŋe cete naʋanoɓurukira kugomba; miti yose yeEdeni, iyo yakatsaurwa yakaiȿo‐naka yeRebanoni, iyo yose inonwa mvura, ikaʋaraidzwa panɀimbo dzapasi dzenyika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndakaita kuti ndudzi dzidedere padzakanzwa kuwa kwako pandakuburusira muguva navaya vanoenda mugomba nawo. Ipapo miti yose yemuEdheni, yakasarudzika uye neyakanakisa muRebhanoni, miti yose yakanga ichiwana mvura yakakwana, yakanyaradzwa panyika dzapasi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndichaita kuti marudzi adedere nokuriridza kwokuwa kwawo, pandichaukanda pakadzika munzvimbo yavachakabvu pamwechete navanodzika kugomba. Izvozvo miti yose yomuEdheni inoyevedza yakanakisisa yeRebhanoni yose zvayo inonwa mvura ichanyaradzwa pasi pasi penyika ipapo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndakadederesa marudzi ose nokutinhira kwokuwa kwake, nenguva yandakamukandira muSheori, pamwechete navanoburukira kugomba; miti yose yeEdheni, iyo yakatsaurwa yakaisvonaka yeRebhanoni, iyo yose inonwa mvura, ikavaraidzwa panzvimbo dzapasi dzenyika.
Shona 2009?
Ndakadederesa marudzi ose nokutinhira kokuwa kwake, nenguva yandakamukandira muSheori, pamwechete navanoburukira kugomba; miti yose yeEdheni, iyo yakatsaurwa yakaisvonaka yeRebhanoni, iyo yose inomwa mvura, ikavaraidzwa panzvimbo dzapasi dzenyika.
Shona SUB 2002 Bible
Ndakadederesa marudzi ose nokutinhira kwokuwa kwake, nenguva yandakamukandira muSheori, pamwechete navanoburukira kugomba; miti yose yeEdheni, iyo yakatsaurwa yakaisvonaka yeRebhanoni, iyo yose inonwa mvura, ikavaraidzwa panzvimbo dzapasi dzenyika.