Ezekiel 31:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Yakaɓurukira ʋo naye kuSheori kunaiʋo ʋakaʋurawa nomunondo; ɀirokwaɀo, ndiʋo ʋaiʋa ruʋoko rwake, ʋaigara mumumvuri wake pakati pamarudzi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vaya vaigara mumumvuri wawo, navaya vavaibatana navo pakati pendudzi, vakanga vaburukirawo muguva nawo, vachiva pamwe navaya vakaurayiwa nomunondo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naiyowo ichadzika kunzvimbo yavachakabvu nawo kune vakaurayiwa nebakatwa, vayawo vakaita misha mumumvuri mawo pakati pamarudzi avanhu vachaparara.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Yakaburukirawo naye kuSheori kuna ivo vakaurawa nomunondo; zvirokwazvo, ndivo vaiva ruoko rwake, vaigara mumumvuri wake pakati pamarudzi.
Shona 2009?
Yakaburukirawo naye kuSheori kuna ivo vakaurawa nomunondo; zvirokwazvo, ndivo vaiva ruoko rwake, vaigara mumumvuri wake pakati pamarudzi.
Shona SUB 2002 Bible
Yakaburukirawo naye kuSheori kuna ivo vakaurayiwa nomunondo; zvirokwazvo, ndivo vaiva ruoko rwake, vaigara mumumvuri wake pakati pamarudzi.