Ezekiel 31:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iwe wakafanana naniko pakubginya noʋukuru pakati pemiti yeEdeni? Kunyaŋge ɀakaɗaro ucaɓuruswa pamŋe cete nemiti yeEdeni kunɀimbo dzapasi dzenyika; ucaʋata pasi pakati paʋasina‐kudziŋgiswa, pamŋe cete naʋakaʋurawa nomunondo. Ndiye Farao naʋanhu ʋake ʋazhinji — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Ndeipiko miti yeEdheni ingaenzaniswa newe pakubwinya noushe? Kunyange zvakadaro, newewo, uchaburutswa pamwe chete nemiti yeEdheni panyika pasi; ucharara pakati pavasina kudzingiswa, navaya vakaurayiwa nomunondo. “ ‘Ndiye Faro navanhu vake vazhinji, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Pakati pemiti yomuEdheni, ndianiwo zvake akaita sewe pambiri noukuru? Zvakadaro zvazvo uchadzikiswa pamwechete nemimwe miti Edheni kunzvimbo yapasi pasi. Uchavata mukati mavasina kudzingiswa pamwechete navakauraiwa namapakatwa. Ndizvo zvichamuwana Farao izvi negurusvusvu rake ravanhu.” Ndizvo zvinotaura Tenzi Mwari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Iwe wakafanana naniko pakubwinya nohukuru pakati pemiti yeEdheni? Kunyange zvakadaro uchaburuswa pamwechete nemiti yeEdheni kunzvimbo dzapasi dzenyika; uchavata pasi pakati pavasina kudzingiswa, pamwechete navakaurawa nomunondo. Ndiye Farao navanhu vake vazhinji,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Shona 2009?
"Iwe wakafanana naniko pakubwinya nohukuru pakati pemiti yeEdheni? Kunyange zvakadaro uchaburuswa pamwechete nemiti yeEdheni kunzvimbo dzapasi dzenyika; uchavata pasi pakati pavasina kudzingiswa, pamwechete navakaurawa nomunondo. Ndiye Farao navanhu vake vazhinji," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Shona SUB 2002 Bible
“Iwe wakafanana naniko pakubwinya nohukuru pakati pemiti yeEdheni? Kunyangwe zvakadaro uchaburuswa pamwechete nemiti yeEdheni kunzvimbo dzapasi dzenyika; uchavata pasi pakati pavasina kudzingiswa, pamwechete navakaurayiwa nomunondo. Ndiye Farao navanhu vake vazhinji,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.