Ezekiel 31:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Misidari mumunda waMŋari yakaŋga isiŋgagoni kuudzitira; miti yemisipresi haina‐kufanana noʋutaʋi bgawo, nemiprani yakaŋga isina‐kufanana namataʋi awo; kwakaŋga kusinomuti mumunda waMŋari wakaŋga wakafanana nawo pakunaka kwawo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Misidhari yomubindu raMwari yakanga isingagoni kuukunda, uye miti yomupaini yakanga isingaenzani namatavi awo, uye miti yemipaini hayaienzaniswa namatavi awo, hakuna muti mubindu raMwari waienzana nawo pakunaka.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pamisidhari yaiva mumunda waMwari hapana waiupfuura kureba, kunyange musaipurasi zvawo waimboenzana nawo mapazi awo. Pamapazi, muti iwoyo mupureni hahwaimbopasvika. Hapana muti mumunda waMwari waienzana nawo parunako.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Misidhari mumunda waMwari yakanga isingagoni kuudzitira; miti yemisiperesi haina kufanana nohutavi hwawo, nemipurani yakanga isina kufanana namatavi awo; kwakanga kusina muti mumunda waMwari wakanga wakafanana nawo pakunaka kwawo.
Shona 2009?
Misidhari mumunda waMwari yakanga isingagoni kuudzitira; miti yemisiperesi haina kufanana nohutavi hwawo, nemipurani yakanga isina kufanana namatavi awo; kwakanga kusina muti mumunda waMwari wakanga wakafanana nawo pakunaka kwawo.
Shona SUB 2002 Bible
Misidhari mumunda waMwari yakanga isingagoni kuudzitira; miti yemipaini haina kufanana nohutavi hwawo, nemipurani yakanga isina kufanana namatavi awo; kwakanga kusina muti mumunda waMwari wakanga wakafanana nawo pakunaka kwawo.