Ezekiel 32:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀirokwaɀo, ndicashamisa marudzi mazhinji aʋanhu pamsoro pako, madzimambo aʋo acakutya ɀikuru kwaɀo, kana ndicitendeka munondo waŋgu pamberi paʋo; ʋacaɗeɗera ŋguʋa dzose, mumŋe nomumŋe nokuɗa kwoʋupenyu bgake, nezuʋa rokuparadzwa kwako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndichaita kuti vanhu vazhinji vashamisike pamusoro pako, uye madzimambo avo achadedera nokutya nokuda kwako, pandichavheyesa munondo wangu pamberi pavo. Pazuva rokuwa kwako mumwe nomumwe wavo achadedera nguva dzose, nokuda kwoupenyu hwake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndichaita kuti vanhu vazhinji vadumbirwe nezvako; madzimambo avo achadedera pamusana pako. Kana ndovheyesa bakatwa rangu kwavari vachangwenda nguva dzose mumwe nomumwe achityira upenyu hwake musi wazvichakuperera.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvirokwazvo, ndichashamisa marudzi mazhinji avanhu pamusoro pako, madzimambo avo achakutya zvikuru kwazvo, kana ndichitendeka munondo wangu pamberi pavo; vachadedera nguva dzose, mumwe nomumwe achadedera nokuda kwoupenyu hwake, nezuva rokuparadzwa kwako.”
Shona 2009?
"Zvirokwazvo, ndichashamisa marudzi mazhinji avanhu pamusoro pako, madzimambo avo achakutya zvikuru kwazvo, kana ndichitendeka munondo wangu pamberi pavo; vachadedera nguva dzose, mumwe nomumwe achadedera nokuda koupenyu hwake, nezuva rokuparadzwa kwako."
Shona SUB 2002 Bible
“Zvirokwazvo, ndichashamisa marudzi mazhinji avanhu pamusoro pako, madzimambo avo achakutya zvikuru kwazvo, kana ndichitendeka munondo wangu pamberi pavo; vachadedera nguva dzose, mumwe nomumwe achadedera nokuda kwoupenyu hwake, nezuva rokuparadzwa kwako.”