Ezekiel 32:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndicaraira minondo yaʋanesimba kuparadza ʋanhu ʋako ʋazhinji; iʋo ʋose ndiʋo ʋanotyisa pakati pamarudzi, ʋacaparadza kuɀikudza kweEgipita, naʋanhu ʋayo ʋazhinji ʋacaparadzwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndichaita kuti vanhu vako vazhinji vave neminondo yavane simba, vanhu vakaipisisa pandudzi dzose. Vachaparadza kuzvikudza kweIjipiti, uye vanhu vayo vazhinji vachakundwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndichaita kuti vazhinji venyu vafe nebakatwa ravanesimba vose, vari vanhu vanotyisa kwazvo mukati memarudzi. “Vachapedza kuzvikudza kweIjipiti, vose zvavo nokuwanda kwavo vachaparara.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndicharayira minondo yavane simba kuparadza vanhu vako vazhinji; ivo vose ndivo vanotyisa pakati pamarudzi, vachaparadza kuzvikudza kweIjipiti, navanhu vayo vazhinji vachaparadzwa.
Shona 2009?
Ndicharayira minondo yavanesimba kuparadza vanhu vako vazhinji; ivo vose ndivo vanotyisa pakati pamarudzi, vachaparadza kuzvikudza kweIjipiti, navanhu vayo vazhinji vachaparadzwa.
Shona SUB 2002 Bible
Ndicharayira minondo yavane simba kuparadza vanhu vako vazhinji; ivo vose ndivo vanotyisa pakati pamarudzi, vachaparadza kuzvikudza kweIjipiti, navanhu vayo vazhinji vachaparadzwa.