Ezekiel 32:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mŋanakomana womunhu, itira Farao mambo weEgipita mariro, uti kwaari: Iwe wakaŋga wakafananidzwa neshumba ɗuku pakati pamarudzi; asi uri shato huru mumakuŋgwa; wakaɓuɗa munzizi dzako, ukabvoŋgodza mvura netsoka dzako, nokuȿiɓisa nzizi dzaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Mwanakomana womunhu, itira Faro mambo weIjipiti mariro uti kwaari: “ ‘Iwe wakafanana neshumba pakati pendudzi; wakaita seshato mukati mamakungwa uchibvongodzabvongodza mukati mehova dzako, ukabvongodza mvura netsoka dzako uye ukasvibisa hova.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Iwe munhu ungudza pamusoro paFarao mambo weIjipiti uti kwaari, “Unozviti uri shumbaka iwe pakati pamarudzi avanhu. Asi chauri chaicho uri garanyanya romumakungwa. Unoti pindikiti munzizi dzako uchibvongodza mvura namakumbo ako, nzizi dzacho dzichiva bvondwe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Mwanakomana womunhu, itira Farao mambo weIjipiti mariro, uti kwaari, ‘Iwe wakanga wakafananidzwa neshumba duku pakati pamarudzi; asi uri shato huru mumakungwa; wakabuda munzizi dzako, ukabvongodza mvura netsoka dzako, nokusvibisa nzizi dzavo.’
Shona 2009?
"Mwanakomana womunhu, itira Farao mambo weIjipiti mariro, uti kwaari, `Iwe wakanga wakafananidzwa neshumba duku pakati pamarudzi; asi uri shato huru mumakungwa; wakabuda munzizi dzako, ukabvongodza mvura netsoka dzako, nokusvibisa nzizi dzavo.'
Shona SUB 2002 Bible
“Mwanakomana womunhu, itira Farao mambo weIjipiti mariro, uti kwaari, ‘Iwe wakanga wakafananidzwa neshumba duku pakati pamarudzi; asi uri shato huru mumakungwa; wakabuda munzizi dzako, ukabvongodza mvura netsoka dzako, nokusvibisa nzizi dzavo.’