Ezekiel 32:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Rakaisirwa nhoʋo pakati paʋakaʋurawa pamŋe cete naʋanhu ʋaro ʋazhinji ʋose, marinda aro akarikomberedza; ʋose haʋana‐kudziŋgiswa, ʋakaʋurawa nomunondo; nokuti ʋaityisa panyika yaʋapenyu, ʋakaʋa nemhoȿa yeɀinonyadzisa ɀaʋo, pamŋe cete naʋanoɓurukira kugomba; rakaiswa pakati paʋakaʋurawa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Yakawaridzirwa mubhedha pakati pavakaurayiwa, nevanhu vayo vazhinji vakakomberedza rinda rayo. Vose havana kudzingiswa, vaiurayiwa nomunondo. Nemhaka yokuti kutyisidzira kwavo kwakanga kwapararira munyika yavapenyu, vanotakura nyadzi dzavo navaya vanoburukira kugomba, vakaradzikwa pakati pavakaurayiwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakamupa uriri mukati mavakaurayiwa nehondo yebakatwa pamwechete negurusvusvu rayo rose ravanhu; makuva ayo akaikomberedza. Vose vasina kudzingiswa vakaurayiwa nehondo yebakatwa nokuti yaimbozezesa vanhu nokutya munyika yavapenyu. Vachanyara pamwechete navanhu vanoenda kugomba vaiswawo mukati mavakaurayiwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Rakaisirwa nhoo pakati pavakaurawa pamwechete navanhu varo vazhinji vose, marinda aro akarikomberedza; vose havana kudzingiswa, vakaurayiwa nomunondo; nokuti vaityisa munyika yavapenyu, vakava nemhosva yezvinonyadzisa zvavo, pamwechete navanoburukira kugomba; rakaiswa pakati pavakaurawa.
Shona 2009?
Rakaisirwa nhovo pakati pavakaurawa pamwechete navanhu varo vazhinji vose, marinda aro akarikomberedza; vose havana kudzingiswa, vakaurayiwa nomunondo; nokuti vaityisa munyika yavapenyu, vakava nemhosva yezvinonyadzisa zvavo, pamwechete navanoburukira kugomba, rakaiswa pakati pavakaurawa.
Shona SUB 2002 Bible
Rakaisirwa nhoo pakati pavakaurayiwa pamwechete navanhu varo vazhinji vose, marinda aro akarikomberedza; vose havana kudzingiswa, vakaurayiwa nomunondo; nokuti vaityisa munyika yavapenyu, vakava nemhosva yezvinonyadzisa zvavo, pamwechete navanoburukira kugomba; rakaiswa pakati pavakaurayiwa.